Kasi Wogwarazve Kahi? mubatanidzwa wenhetembo dzakanyogwa naTanaka Chidora munguva inokwana kuita makore manomwe. Nhetembo idzi dzinobata zvunhu zvakawanda: vupenyu bhwemuridzi wehwi riri kudetemba, nyika yemunhu ari kudetemba, shamwari dzakwe, vana vakwe, kare kwake, ndangariro dzakwe, vadiwa vakwe, hama dzakwe, kufara kwake, kuremegwa kwake, mazheti akwe nezvimwevo zvakawanda zvinoita kuti vupenyu bhwuve vupenyu sekuziva kwatinobhwuita. Mukudetemba uku, Chidora ari kutiratidza kuti zvinotora kakugwara kuti ugone kuita mazuva maviri uchitsanangura mamiriro enareti yawakanonga pachikumbaridzo chemukova wako zuro mangwanani. Nerimwe shoko tiri kuti, pane zvimwe zvunhu zvinoita sezvisina basa asi tozovona vudzamu bhwazvo nekuda kwekuti pane mudetembi abvuma kuderera chaizvo kusvika pazera rezvunhu izvozvo, kwava kutarisa mumboni yezvunhu izvozvo, kwava kuchizoti kumuverengi, "Dovuya vuno ndikuratidze zvandavona." Nhetembo idzi dzakanyogwa nemutauro wechiKaranga unokufungisa ihwi remunhu ari kuinda kuchigayo achimhorosana nemukare ari kumema munda mumazuva aya ekuti mvura inenge ichiita seyakatuta twayo ikarova pasi.
外文書商品之書封,為出版社提供之樣本。實際出貨商品,以出版社所提供之現有版本為主。部份書籍,因出版社供應狀況特殊,匯率將依實際狀況做調整。
無庫存之商品,在您完成訂單程序之後,將以空運的方式為你下單調貨。為了縮短等待的時間,建議您將外文書與其他商品分開下單,以獲得最快的取貨速度,平均調貨時間為1~2個月。
為了保護您的權益,「三民網路書店」提供會員七日商品鑑賞期(收到商品為起始日)。
若要辦理退貨,請在商品鑑賞期內寄回,且商品必須是全新狀態與完整包裝(商品、附件、發票、隨貨贈品等)否則恕不接受退貨。